1 Kings 4

Machinda aSoromoni

1Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose.

2Ava ndivo vaiva machinda ake:

Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista;
3Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori;
Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika;
4Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto;
Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista;
5Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri;
Zabhudhi mwanakomana waNatani aiva muprista neshamwari yamambo;
6Ahishari aiva mutariri womuzinda wamambo;
Adhoniramu, mwanakomana waAbhudha aiva mutariri wechibharo.

7Soromoni aivawo namachinda gumi navaviri veIsraeri yose vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya. Mumwe nomumwe aifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe chete pagore.

8Mazita avo aiti:

Bheni-Huri, munyika yamakomo yaEfuremu;
9Bheni-Dhekeri munyika yeMakazi, Shaaribhimu, Bheti Shemeshi neEroni Bhetihanani;
10Bheni-Hesedhi muArubhoti (Soko nenyika yose yeHeferi dzaiva dzake).
11Bheni-Abhinadhabhi, munyika yeNafoti Dhori (aiva awana mwanasikana waSoromoni);
12Bhaana, mwanakomana waAhirudhi munyika yeTaanaki, Megidho nenyika yose yeBhetisheani iyo iri parutivi peZaretani, zasi kweJezireeri, kubva kuBhetisheani kusvika kuAbherimehora mhiri kweJokomeami;
13Bheni-Gebheri munyika yeRamoti Gireadhi (misha yaJairi, mwanakomana waManase munyika yeGireadhi yaiva yake, pamwe chete nedunhu reArigobhi munyika yeBhashani namaguta aro makuru makumi matanhatu aiva namasvingo ane masuo endarira);
14Ahinadhabhi mwanakomana waIdho, munyika yeMahanaimi;
15Ahimaazi, munyika yaNafutari (akanga awana Bhasemati mwanasikana waSoromoni);
16Bhaana mwanakomana waHushai, munyika yaAsheri neAroti;
17Jehoshafati mwanakomana waParua, munyika yaIsakari;
18Shimei mwanakomana waEra, munyika yaBhenjamini;
19Gebheri mwanakomana waUri, munyika yeGireadhi (nyika yaSihoni mambo wavaAmori nenyika yaOgi mambo weBhashani). Ndiye aiva mubati oga mudunhu iri.

Migove yezuva nezuva yaSoromoni

20Vanhu veJudha neIsraeri vakanga vakawanda sejecha ramahombekombe egungwa; vakadya, vakanwa uye vakafara. 21Soromoni akanga ari mambo munyika dzose dzaibva kuYufuratesi kusvikira kunyika yavaFiristia, nokumuganhuwo weIjipiti. Nyika idzi dzakauya nomutero uye dzakashandira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.

22Zvokudya zvomuzinda waSoromoni zvezuva nezuva zvaiva zviyero makumi matatu
makirorita angaita 6.6
zvefurawa yakatsetseka nezviyero makumi matanhatu
makirorita angaita 13.2
zvoupfu,
23mombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzokumafuro, makwai zana, pasingaverengerwi nondo, mhara, mhembwe nehuku dzakakodzwa. 24Nokuti aitonga nyika dzose dziri kumadokero kwerwizi rweYufuratesi kubva kuTifisa kusvikira kuGaza, uye akava norugare kumativi ose. 25Pamazuva oupenyu hwaSoromoni vaJudha navaIsraeri vaigara zvakanaka, kubvira kuDhani kusvikira kuBheerishebha, mumwe nomumwe pasi pomuti wake wamazambiringa nowamaonde.

26Soromoni aivawo nezvidyiro zvamabhiza engoro dzake zviuru makumi mana navatasvi vamabhiza zviuru gumi nezviviri.

27Vatariri vakatsvakira Mambo Soromoni navose vaiuya kuzodya naMambo Soromoni patafura yake zvokudya, mumwe nomumwe mumwedzi wake. Vakaona kuti hapana chaishayikwa. 28Vakauyawo nebhari nouswa hwamabhiza engoro namamwewo mabhiza kunzvimbo dzezvaidiwa, mumwe nomumwe zvaakatarirwa.

Mukurumbira woUchenjeri hwaSoromoni

29Mwari akapa Soromoni uchenjeri, nokunzwisisa kukuru sejecha rapamahombekombe egungwa. 30Uchenjeri hwaSoromoni hwakanga hwakapfuura uchenjeri hwavanhu vose vokumabvazuva, nouchenjeri hwose hwokuIjipiti. 31Akanga akachenjera kupfuura vamwe vose; akachenjera kupfuura Etani muEzrahi, Hemani, Karikori, naDharidha, vanakomana vaMahori. Mukurumbira wake wakapararira kunyika dzose dzakapoteredza. 32Akataura zvirevo zviuru zvitatu, uye dzimbo dzake dzaikwana chiuru neshanu. 33Akatsanangura makuriro emiti, kubvira kumusidhari weRebhanoni kusvikira kumihisopi inokura mumadziro. Akadzidzisawo pamusoro pemhuka, shiri, zvinokambaira nehove. 34Vanhu vakauya vachibva kunyika dzose kuti vazonzwa uchenjeri hwaSoromoni; vakauya vachitumwa namadzimambo ose enyika akanga anzwa nezvouchenjeri hwake.

Copyright information for SnaBDSC